Accessibility links

Breaking News

Hurumende Iri Kubhadhara Varairidzi Vasiri Kuita Basa

Chirongwa chekuda kuziva huwandu chaihwo hwevashandi vehurumende, chakaparurwa nebazi rezvevashandi vehurumende mwedzi wapera, chinonzi chafukunura vanhu vanosvika zviuru zvishanu, avo vainzi vashandi vehurumende vasiri vashandi vayo mudunhu reMasvingo.

Pavanhu ava chiuru chimwe chete ndechevanhu vainzi varairidzi muzvikoro zvisiko.

Gurukota rezvevashandi vehurumende, VaEliphas Mukonoweshuro, vaudza Studio7 kuti havakwanisi kuzivisa zviri kubuda mudunhu rimwe nerimwe, asi kuti vachazivisa kamwe chete zvinenge zvabuda mumatunhu ose ari munyika.

Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti zviri kuwanikwa neongororo iyi, ndizvo zvagara zvichitaurwa nesangano ravo kuti ndizvo zviri kuitika muzvikoro.

Zvichakadaro, sangano iri rinotiwo nhengo dzaro mbiri dzinodzidzisa paMount Selinda kuChipinge dzatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri mushure mekuwanikwa dziine mhosva yekurova muna Chikunguru gore rapera dzimwe nhengo dzesangano revakarwira hondo yerusununguko.

Sangano iri rinoti magweta aro ari kuronga kupikisa mutungo uyu kudare repamusoro reHigh Court.

This item is part of
XS
SM
MD
LG