Accessibility links

Breaking News

Kunyorwa kweBumbiro Idzva muHarare Komiswa Zvakare


Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva inoti hurongwa hwekupinda muHarare ichinzwa pfungwa dzavanhu zvavanoda, hwambomiswa, uye vanhu vachaziviswa pahuchaitwa nekupindana kwenguva.

Izvi zvinonzi zvakonzerwa nekushaikwa kwemari neCopac.

Mumwe wemasachigaro eCopac, uye vari nhengo yeZANU-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti misangano yemuHarare yanga ichifanirwa kuitwa neMugovera neSvondo - svondo rino, yambomiswa.

VaMangwana vanoti Copac iri kutsvaga mari inosvika mazana maviri nemakumi matanhatu ezviuru zvemadhora, kana kuti US$260 000, kuitira kuti ibate basa remuHarare.

Chirongwa chemuHarare chakatadza kuitwa zvakanaka nemhirizhonga yakaitika muguta iri. Mhirizhonga iyi yakaitikawo kuChitungwiza, Bulawayo nekuManicaland.

Copac inoti ine nzvimbo dzinodarika chiuru dzinofanirwa kudzokororwa sezvo hurongwa hwekutanga husina kuitwa nemazvo.

XS
SM
MD
LG