Accessibility links

Breaking News

Kumakuwerere Gore Rino KuGeorgia Kumusangano WeChristian Fellowship International-CFI 2019


Christian Fellowship International 2019

Zvizvarwa zveZimbabwe zvave kugara kune dzimwe nyika zvirikukuridzirana kuchengetedza tsika nemagariro azvo zvichinge zvatamira mhiri kwemakungwa kana kune dzakaganhurana nenyika iyi.

Vatendi vechiKristu vanobva kuZimbabwe vavekugara muAmerica vane musangano wavo wepagore wavanoita pasi pesangano reChristian Fellowship International kana kuti CFI mukupera kwesvondo rino.

Musangano wegore rino uri kuiitirwa kuAtlanta kuGeorgia kubva musi weChishanu musi wa30 August uchipera nemusi weSvondo musiwa 1 September 2019.

Mumwe wevakaronga musangano wegore rino, Mufundisi Japhat Ndemera vanotungamirira kereke rePilgrims Community Church vekuGeorgia,vanovazve mumwe wevakaumba CFI vanoti kumakuwerere gore rino.

Vachauya kumusangano uyu vachashumairirwa nekuvaraidzwa nenziyo dzechitendero, kubva kuvafundisi vakawanda vari muAmerica vamwe vachabva kuCanada vamwe kuZimbabwe. KuSouth Africa kuri kuuya Mufundisi Toggie Chivaviro vakaimba rwiyo rwakaita mukurumbira runoti makore apfuura runoti ‘Ebenezer’.

Mufundisi Ndemera vaudza Studio 7 kuti musangano uyu unoitirwa mumatunhu akasiyana siyana emuAmerica, gore negore vaine tariro yekutomboyendawo kunana Canada, UK nedzimwe nyika.

"Chinangwa chatakatangira musangano uyu chaive chekuti tinge tichikurudzirana nekuchengetedza manatiro ataiita tiri kumusha, zvinova zvakaita kuti tinge tichirumbidza Musiki wedu nerurimi rwamai muShona neNdebele tichiimbawo nziyo nendimi idzodzo."

Nyaya yemusangano weChristian Fellowship International kuGeorgia
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG