Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHwange Yoronga Kuvaka Gwenya reMagetsi eSolar


Elton Mangoma
Elton Mangoma

Vaimbove gurukota rezvemhando dzemoto, Va Elton Mangoma, vanoti magetsi anobva muzuva akachipa uye hashandisi mari yakawanda mukuvaka gwenya racho.

Kanzuru yeHwange iri kugadzirira kutanga kuvaka gwenya remagetsi ezuva – Solar Energy richaunza magetsi anosika 50 megawatts muguta re Hwange, mamwe acho achishandiswawo mudzimwe nzvimbo.

Mukuru wekanzuru yeHwange, VaNdumiso Mdlalose, vanoti pachashandiswa mamirioni makumi matatu emadhora mukuvakwa gwenya iri.

Izvi zviri kuitika munguva iyo hurumende iri kugadzirirawo kupinda munhurirano nevamwe vari mubasa rine chekuita nezvemagetsi kuti vaone kuti chikumbiro chekuti vakwidze mutengo wemagetsi pasi rose chingatambirwe sei neruzhinji vasati vazadzisa danho iri.

Munyori mubazi rezve mhando dzemoto, VaPartson Mbiriri, vanoti havana zvizhinji zvavangataure nezvazvo kunze kwekuziviza chete kuti izvi zviri muhurongwa hwehurumende kuburikidza ne bazi ravo.

Vaimbove gurukota rezvemhando dzemoto, Va Elton Mangoma, vanoti magetsi anobva muzuva akachipa uye hashandisi mari yakawanda mukuvaka gwenya racho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG