Accessibility links

Breaking News

Kudzimwa kweMagetsi neZESA Kwokanganisa Hupfumi hweNyika


Matla Power Station, Eskom in Mpumalanga
Matla Power Station, Eskom in Mpumalanga

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti nyaya yekudzimwa dzimwa kwemagetsi yatanga munguva ino yechando inogona kukanganisa zvakanyanya hurongwa hwekumutsiridza hupfumi hwenyika uho hwagara huchitatarika nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ, Doctor Israel Murefu, vati vanovimba kuti kudzimwa kwemagetsi hakurambe kuchiitika nekuti kunokanganisa mabhizimisi ange ambotora nguva achivhiringidzwa nechirongwa chekuti vanhu vambogara mudzimba kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vati vashandi vachaomerwa nehupenyu nekushaya magetsi vachiti mudzimba akakosha panyaya yekubikisa uye kune vamwe vanozviitira mabasa avo emaoko nevemabhizimisi madiki.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Prosper Chitambara, vatiwo pasina magetsi hupfumi hunoenda kumawere.

Vati hupfumi hwenyika Hwange hworatidza kusimukira mushure mekuvhiringidzwa nechirwere cheCovid-19 vakayambira kuti kushaikwa kwavo kunogona kupa kuti kugadzirisa nyaya yehupfumi kutore nguva yakareba.

Ko dambudziko remagetsi rave nemakore richinetsa iri ringagadziriswe sei chaizvo?

Doctor Chitambara vati Zimbabwe ine madhamu akawanda nyika yose anokwanisa kushandiswa kugaya magetsi uye panokwanisa kushandiswa zuva nemhepo..

Vamwe vanoti makambani anofanirawo kubatsira hurumende nekutsaga dzimwe nzira dzekuti vagadzire magetsi avo.

Asi Dr Murefu vanoti zvinhu zvakaoma nekuti magwenya emagetsi haanyatsogona kusimudza michina yakakura uyewo kushandisa dhiziri kunodhura.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaZhemu Soda, vakaudza bepanhau reChronicle muna Kubvumbi kuti munguva ino yechando vanhu vaifanira kutarisira kudzimwa kwemagetsi asi kwete zvakanyanya semakore akare.

Izvi zvinotevera mashoko ainge abva kukambani yeCahora Bassa yekuMozambique neEskom yekuSouth Africa ekuti havaizokwanisa kutengesa mamwe magetsi kuZimbabwe nekuti naivo vatarisana nedambudziko remagetsi.

South Africa iri kudzima magetsi zvakanyanya uye dambudziko iri riri kutarisirwa kuwedzera sezvo Eskom iri kutarisirwa kuvhara mamwe magwenya emarasha sezvo iri kukundikana kuagadzirisa.

Zimbabwe inotenga magetsi mazana mana kana kuti 400 megawatts kunyika mbiri idzi.

Zimbabwe inowana magetsi mamwe kubva kugwenya rekuKariba Dam uye kubva kumarasha kuHwange.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG