Accessibility links

Breaking News

Kudhura kweZvinhu Kwopa Vanhu Kupesana Munyika


Nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu munyika yave kupa kuti paite mutauro wakanyanya vamwe vachiti hurumende yave kufanira kupindira asi vamwe vachiti chakachenjenja ndechakatanga sezvo hurumende yakambozviyedza kare asi zvikakona n’anga murapwa achida.

Chingwa svondo rapera chakawedzera kubva pamadhora maviri nemakumi mashanu kana kuti RTGS 2.50 kusvika pamadhora matatu nemakumi mashanu kana kuti RTGS 3.50.

Hupfu hwakawedzerwa nemadhora emaRTGS matatu kana kudarika pamakirogiramu gumi kana kuti 10 kg. Furawa, mukaka neshuga zvawedzerwawo mitengo.

Mutungamiri wesangano revemabhizimisi reConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vanoti nyaya yekuti mari yekunze iri kushaikwa zviri kupa kuti vatenge pamukoto ichidhura.

Mashoko aya anotsinhirwa nemukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti zvehurumende zvekuda kutara mitengo zvakamboyedzwa zvikaramba kushanda .

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaGilbert Muponda, vanoti madiro aJojina ari kuitika munyaya dzezvemitengo anoshamisa uye hurumende haifanire kuregedza zvichiitika.

VaMuponda vati vemabhizimisi vave kuita mushandirapamwe usingatarisirwe panyaya yekukwidza mitengo vachipa muenzaniso wevanobika vakaita seProton, Lobels neBakers Inn vavanoti vari kukwidza mitengo zvakafana panguva imwe chete.

Vaenderera mberi vachiti izvi zvave kupa kuti zvinhu zviri kubva kunze kwenyika zvitotengeswa nemari iri pasi kudarika zvemunyika.

Asi VaJabangwe vanoti izvi handizvo zviri kuitika vachitri zvemuZimbabwe zvichiri zvakaderera mutongo

Ko chii chaizvo chinodiwa kuitwa kuti pave nesungawirirano kuti zvinhu zvinakire vanhu vari kunonga svosve nemuromo?

VaKanyenze vanoti pave kuda nhaurirano pakati pehurumende, mushandi nemushandirwi.

Kunze kwekukwira kwemitengo yezvekudya, zvikoro zvawedzerawo mari zvapa kuti vashandi vaomerwe nezvinhu.

Hurumende yakambowedzera vashandi vayo mari vhiki rapera asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti mari iyi haikwane zvachose.

VaMuponda vanoti zvinoshamisa kuti vemabhizimisi ava havanonoke kuwedzera mari yezvinhu asi vachitsika madziro pakuwedzera mushandi mari.

Asi VaJabangwe vanoti hazvisi nyore kungowedzera vashandi mari sezvo kutenga zvinhu nekuzvigadzira kuchida mari yakawanda.

Hurumende yave nemakore ichitatarrika kugadzirisa hupfumi vanopikisa vachiti inyaya yehuori nekutadza kutungamira asi iyo ichiti zviri kukonzerwa nezvirango zvakatemerwa nyika nenhafu yevemabhizimisi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG