Accessibility links

Breaking News

Kongiresi yeMDC-USA Province Yotanga muAmerica Ichikokerwa naVaMahlangu


MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai yatumira sachigaro wayo wezvechidiki, Va Thamsanqa Mahlangu, kuAmerica kuzofambisa musangano wekongiresi yeMDC-USA Province.

Musangano uyu watanga neChishanu apo nhumwa dzematunhu madiki dziri kusvika dzichinyoresa muguta reCincinnati mu Ohio State. Sarudzo dzehutungamiri hutsva dzichaitwa neMugovera. Pari kutarisirwa vanhu vanodarika zana kubva kumatunhu madiki gumi ari muAmerica.

Matunhu aya anosanganisira Florida, Washington DC, Michigan, Massachussetes, Columbus, Cincinnati, Dallas Texas, Dallas Fortworth, Washington Seattle ne Philadelphia.

Vari kutarisirwa kukwikwidza zvigaro zvepamusoro vanosanganisira sachigaro weMDC-USA, VaMaxwell Shumba, avo vakanzi nevanhu vazhinji vaive mukomiti yakavhoterwa muna 2008, vakanga vasingashande nevamwe vavo zvakanaka, asi nhengo dzakanyunyuta idzi dzakabva dzamiswa idzo basa naVaShumba vachidzipomera mhosva yekuzvidza hutungamiri hwebato muMDC-USA.

Vamwe vari kutarisirwa kukwikwidza zvigaro zvepamusoro ndiVaDenny Moyo, avo vakavhoterwa kuva munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muna 2008, asi vakazopedzisira voita basa remunyori webato, iro ravasina kuvhoterwa.

Dzimwe nhengo dzeMDC dziri kupinda mudariro, dzinosanganisira sachigaro weColumbus, VaZvidzai Ruzvidzo, sachigaro weFlorida, VaChris Kwakwangari nasachigaro weMichigan, VaAndrew Chaponda, avo vari kutarisirwa kukwikwidza chigaro chasachigaro. Asi zvinogona kuitika kuti vamwe vanogona kubuda musarudzo iyi, votsvaga kukwikwidza zvimwe zvinzvimbo.

Vari kuziva zviri kuitika muMDC-USA vanoti pachava nekukwikwidzana kwakasimba pachigaro chasachigaro pakati paVaRuzvidzo, VaShumba naVaKwangwari. Pari zvino kubva pamatunhu madiki gumi, VaRuzvidzo vari kutsigirwa nematunhu mana abuda pachena, ukuwo VaKangwari vari kutsigirwa nematunhu madiki maviri abuda pachena, ukuwo VaShumba vachitsigirwa nedunhu rimwe chete rabuda pachena.

Vari mukati menyaya iyi vanoti zvizhinji zvichabuda Chishanu manheru apo matunhu achange achizeya vanhu vekutsigira.

Vamwe vari kuratidza kuda kukwikwidza muzvimwe zvigaro, kana kuti vari kutarisira kusarudzwa kuti vakwikwidze zvigaro izvi vanosanganisira VaRay Muzamhindo vekuMichigan, VaOswald Chibanda vekuCincinnati, naVaPhilip Chidarikire vekuMasachussetes.

Vamwe vari kumusangano uyu vanoti sarudzo yebazi revechidiki nezvemadzimai dzichasangana nezvimhingamupinyi, sezvo huwandu hunodiwa kuti nhengo dzemapazi aya dzinge dziri kukongiresi, huchatadza kusvikwa panodiwa.

Kongiresi iyi ndeye chipiri kuitwa muAmerica, zvichitevera yakaitwa muna Mbudzi 2008 ku Gaithersburg mu Maryland, iyo yakakonzera mutauro zvikuru, zvichitevera kunyunyuta kwakaita vamwe nemafambisirwo ayakanga yaitwa.

Kongiresi iyi yakasiya MDC-USA yapatsanuka, izvo zviri kutarisirwa kusiya zvagadziriswa naVaMahlangu.

Sachigaro veMDC, VaLovemore Moyo, pamwe nasachigaro webazi remadzimai, Amai Theresa Makone, havana kukwanisa kuuya sezvo bato ravo rakatarisana nesarudzo huru yemutauriri weparamende ingangoitwe svondo rinouya.

Aka ndekekutanga VaMahlangu kumirira bato ravo vari vega pasarudzo dzekongiresi yemapurovhinzi eMDC. Vatsigiri vebato iri muAmerica vari kutarisira zvikuru kuna VaMahlangu kubata musangano uyu nenzira inofadza vose, kuitira kuti pasave zvakare nemakakatanwa akaitwa mushure mekongiresi ya2008, iyo yakakokerwa naVaLovemore Moyo.

VaMahlangu, avo vanomirira Nkulumane muparamende, vanoti bato ravo rinokoshesha zvikuru vatsigiri varo vari kunze kwenyika, nekuti vanoita zvinhu zvakakosha kubato ravo.

XS
SM
MD
LG