Accessibility links

Breaking News

Kongiresi yeMDC Inotungamirwa naVaTsvangirai Inotanga muBulawayo


MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, vanove zvakare mutungamiri wehurumende, yaparura musangano wekongiresi yayo neChina muBulawayo.

Bato iri riri kuita kongiresi yaro yemazuva matatu, iyo ichatanga nemakongiresi evechidiki nemadzimai, ichizopedzisira nekongiresi yacho huru.

Vachiparura musangano wekongiresi iyi, VaTsvangirai vakurudzira kuti vatsigiri vavo vasaite zvemhirizhonga, uye kuti vasashandiswe nevanhu vanoshnadisa mari mukutsvaga rutsigiro.

VaTsvangirai vatiwo bato ravo rinofanirwa kugadzirira sarudzo dzemunyika dzavati dzingangoitwa mukati memwedzi gumi nemiviri inotevera. Vatiwo kana sarudzo idzi dzoitwa, bato ravo harifanirwe kutya nokuti ndiro rinokunda.

Kongiresi yeMDC ichavhurwa zviri pamutemo neChishanu nemutungamiri wehurumende yeKenya, VaRaila Odinga.

VaTsvangirai ndivo chete vasiri kukwikwidzwa musarudzo pakongiresi iyi. Asi zvimwe zvgaro zvose zvichange zvichikwikwidzwa. Munyori mukuru webato, VaTendai Biti, vari kukwikwidzwa nechipangamazano chaVaTsvangirai munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, Professor Eliphas Mukonoweshuro, ukuwo sachigaro vebato, VaLovemore Moyo, vari kukwidzwa naAmai Lucia Matibenga.

Munyori wezvemabasa ezvematongerwo enyika mubato iri, VaElias Mudzuri, vari kukwikwidzwa nemutauriri webato iri, Va Nelson Chamisa, kotiwo Amai Theresa Makone vari kukweshana naAmai Editor Matamisa pachigaro chasachigaro vezvemadzimai.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti VaDouglas Mwonzora, VaObert Gutu pamwe naVaTongai Matutu, vari kukwikwidzana pachigaro chemutauriri webato.

Bato raVaTsvangirai ranga richisangana nemhirizhonga mune mamwe matunhu munguva yegadziriro yekongiresi iyi. Panga painewo kurumirana muvhu pamwe nekutsikana konzi kwedzimwe nhengo dzebato iri dzaikwikwidzana musarudzo dzevachatungamira matunhu.

Asi VaTsvangirai nehutungamiri hwavo vanonzi vakaedza nepose pavanogona napo kugadzirisa matambudziko aya gungano guru iri risati ratanga.

Imwe nyaya inonzi iri kuda kukanganisawo musangano uyu inyaya yemarudzi nematunhu, zvichinzi nhengo dzebato iri dzekuChamhembe, dziri kugunun’una kuti hadzisi kudomwa muzvigaro zvepamusoro, zviri kudomwa vekuMaodzanyemba.

Asi zvinoshamisa ndezvekutiwo matunhu ekuChamhembe aya ari kudomawo vanhu vakawanda vekuMaodzanyemba kuti vapihwe zvigaro zvepamusoro mubato.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vakaramba mashoko aya vachiti bato ravo riri kutevera gwara raro regutsaruzhinji nekuita zvinhu zvose pajekerere.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe, VaPedzisai Ruhanya, vanoti mashoko aVaTsvangirai ekushoropodza mhirizhonga akakosha zvikuru sezvo achiratidza musiyano pakati peMDC neZanu PF.

Mutungamiri weCenter for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanotiwo chinofanirwa kuitwa neMDC kutevedzera mashoko aVaTsvangiari ekushoropodza mhirizhonga nemabasa, kwete kungotaura chete.

XS
SM
MD
LG