Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Inonzwa Nyaya yeVashandi Vasiri paMabasa


Komiti yeparamende inoona nezvemashandisirwo emari dzehurumende, kana kuti Public Accounts, neMuvhuro yakanzwa mamiriro akaita nyaya yevanhu vanonzi vari kutambira mari kubva kuhurumende asi ivo vasiri pamabasa. Bazi rezvevashandi vehurumende, rePublic Service, rakaparura mwedzi wapera chirongwa chekuda kuziva kuti hurumende ine vashandi vangani, uye kuti vange vachizivikanwa zviri pamutemo.

Pane fungidziro yekuti vamwe vane chekuita nezvemapato ezvematongerwo enyika, vari kutambiriswa mari vasiri kushandira hurumende. Gwaro rakaburitswawo nebazi raAuditor General and Comptroller, iro rakaturwa kuparamende, rakaburitsawo pachena kuti bazi rakaita serevechidiki, rakapinza vanhu vanosvika zviuru gumi nenzira isina kujeka gore rino. Sachigaro wekomiti yezvemashandisirwo emari dzehurumende, VaTapiwa Mashakada, vanoti hapana kuteverwa gwara rinodiwa pakupinzwa basa kwevashandi vehurumende.

XS
SM
MD
LG