Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Inoda Kuti Mutemo wePOSA Uvandudzwe


Komiti yeparamende inoona nezvemukati pamwe nekudzivirirwa kwenyika, inonzi iri kuda kuti masimba emapurisa aderedzwe zvakare.

Komiti iyi inoti zvakaunganidzwa mukunzwa pfungwa dzevanhu panyaya yekuvandudzwa kwebhiri remutemo wePOSA, zvakasiya mapurisa aine mukana mukuru wekutyora kodzero dzevanhu.

Mumiriri weMutare Central mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vakasimudza nyaya yekuti mutemo wePOSA uvandudzwe kana kuraswa, izvo zvinonzi zvakatsigirwawo zvikuru nevanhu vakawanda mumatunhu akashanyirwa nekomiti iyi ichinzwa pfungwa dzevanhu.

VaGonese vaudza Stuido7 kuti komiti iyi iri kudawo kuti mapurisa ange achitsanangura zvinenge zvakonzera kuti ashandise simba rakawanda, chero panenge paitika izvi.

XS
SM
MD
LG