Accessibility links

Breaking News

Kutanga kweChirongwa cheKunyorwa kweBumbiro reMitemo Kotarisirwa

Komiti yeparamende iri kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika inoti musangano uchaitwa neChipiri pakati pevari kutungamira nhaurirano nesangano riri kubatsira nekuunganidza mari ichashandiswa pahurongwa uhu, reUnited Nation Development Program, UNDP, ndiwo uchaita kuti vazive kuti vachatanga riini kupinda muvanhu vachinzwa pfungwa dzavo.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, VaDouglas Mwonzora, vanova nhengo yeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vanoti zvikwata zvichapinda muvanhu zvakatogadzirira kare zvekuti vachazivisa kuti zvinotanga riini basa mumazuva mashoma anotevera.

Pane zvikwata makumi manomwe zvichapinda mumatunhu, uye chikwata chimwe chete chichange chiine vanhu vapfumbamwe. Pavanhu vapfumbamwev ava, pachange paine vanyori vatatu vachange vachinzwa pfungwa dzevanhu, uye pavanyori ava, pachange paine mukuru wavo mumwe chete, uyo achnage achibatsirwa nevamwe vake vaviri vanenge vachimirira mapato maviri ari muhurumende yemubatanidzwa.

VaMwonzora vanotiwo vanhu vachange vachisangana nezvikwata izvi munzvimbo dzakasiyana siyana, dzakaita sezvikoro, kana mahofisi emakaunzuru mumatunhu ari munyika.

VaMwonzora varambawo mashoko ekuti komiti inotungamirwa nevari munhaurirano, ye management committee, yakamisa kubhadharwa kwenhengo dzeparamende dzichashandisa motokari dzadzo muhurongwa uhu, vachiti hapana hurongwa hwakadaro hwati hwaitwa.

VaMwonzora vanotiwo mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri , vari kutiwo mapurisa anofanirwa kubhadharwa mari inoita mamiriyoni emadhora anosvika matatu yekuti vabvumidze mapurisa chiuru chimwe kuti aperekedze zvikwata zvichapinda muvanhu zvichinzwa pfungwa dzavo.

This item is part of
XS
SM
MD
LG