Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Yoronga Kudzokera kwa Marange


Vashandi vedare reparamende vanonzi vari kushanda kuedza kuti komiti iyi iwane zvakanzi zvinodiwa kuti vadzokere kunoita ongororo yavo

Komiti yeparamende inoona nezve zvicherwa munyika inoti iri kudzokera kwaMarange svondo rinouya kunoona mamiriro akaita zvinhu kumangoda ekwaChiadzwa.

Komiti iyi yakatadza kuenda kwaMarange svondo rapera zvichitevera kurambidzwa kwayakaitwa nemapurisa ayo aiti akanga asina kupihwa mvumo nebazi rezvemigodhi.

Vashandi vedare reparamende vari mubishi kutsvaga mapepa anodiwa kuitira kuti komiti iyi iwane zvakanzi zvinodiwa kuti vadzokere kunoita ongororo yavo.

Va Moses Mare mumwe wenhengo yekomiti iyi. Va Mare vanoti komiti yavo icharamba ichishanda kuedza kugadzirisa nyaya dzekwaMarange kunyange hazvo paine vari kuda kukanganisa basa ravo.

Zvichakadaro, muwongorori we Kimberly Process mu Zimbabwe, Va Abbey Chikane, vaburitsa gwaro mushure merwendo rwavakaita kuZimbabwe mwedzi wapera.

VaChikane vanoti pane zvakawanda zvinodiwa kugadziriswa nemakambani ari kuchera mangoda kwaMarange.

Vanoti hurumende ine mapurisa, masoja nevashandi vayo vakawandisa munzvimbo iyi zvinova zvinozokonzera kuti mangoda asafamba zvakana nekuwandisa kwevanhu. VaChikane vanoti kambani ye Canadile haina mishina yakakwana yemazuva ano yekuchera mangoda kasi Mbada ine michina mikuru. Va Chikane vachange vachidzokera kuZimbabwe munguva pfupi iri kutevera.

XS
SM
MD
LG