Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vokonzeresa Mutauro kuChitungwiza neMuhurumende


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti dare remakurukota pamwe neboka reAnti-Corruption Commission zvinofanirwa kuferefeta mashandiro egurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, avo rinoti vave kuramba vachiita zvehuori.

MDC neZanu-PF dziri kutarisirwa kutatsurana zvakare mudare remakurukota nenyaya iyi. Izvi zvinotevera kudomwa kwekomiti iri kunzi ivandudze mashandiro eguta reChitungwiza mushure mekusungwa kwemunyori weguta iri nenyaya yehuori.

Vashandi veguta iri nebato reMDC-T vanoti zviri kuvashungurudza kuti VaChombo vakadoma komiti iri kutungamirwa naVaFungai Mbetsa avo vari kutambira mari inosvika zviuru makumi maviri nezvitanhatu zvemadhora pamwedzi kubva muna Ndira.

Zvinonzi mutevedzeri wavo ari kupihwa mari inoita zviuru gumi nezvina zvemadhora pamwe uye dzimwe nhengo dzekomiti iyi shanu dziri kupihwa mari inosvika zviuru gumi nezvitatu zvemadhora pamwedzi pamunhu.

Vashandi vekanzuru vanoti ivo vari kuderedzerwa mari dzavanotambira uye havasi kupihwa mari dzemihoro nenguva asi vamwe vachihora nenguwani.

Gore rapera, MDC-T yakadzinga makanzura ayo makumi maviri nenyaya yehuori asi VaChombo vakavadzora pabasa. Asi ikozvino VaChombo vave kurova nhendeshure vachiti vari kuita zvehuori. VaChombo vanoti hapana chakaipa chiri kuitwa nechikwata chavakadoma kuChitungwiza.

Mutevedzeri waVaChombo, VaCecil Zvidzai, vanoti havasi kufara nekomiti yaVaChombo yavati iri kuita zvehuori.

XS
SM
MD
LG