Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika inoti yakakumbira kuti vatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa, vaparure chirongwa chekunzwa zvinobva muvanhu, uye kuti vakurudzire vanhu kuti vagarisane mune zvakanaka. Chirongwa ichi chiri kutanga mwedzi unouya.
Mumwe wemasachigaro ekomiti iyi, uye vachimirira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangiria kuNyanga North mudare reparamende, VaDouglas Mwonzora, vanoti vaita izvi vaine chinangwa chekuti vatungamiri ava, avo vanoti VaRobert Mugabe, veZanu PF, VaMorgan Tsvangirai, veMDC, pamwe naVaArthur Mutambara, verimwe bato reMDC, vashoropodze nyaya dzemhirizhonga uye kudzidzisa vanhu nezvekuregererana.
Vatiwo vari kukanganiswa mafambisirwo ebasa aravo nemapepa ari pasi peZimpapers, akaita seHerald neChronicle, pamwe nenhepfenyuro neZimbabwe Broadcasting Corporation.
VaMwonzora vanotiwo vakawirirana kuti vasashandise Kariba Draft mukunzwa pfungwa dzevanhu, sezvo vamwe vanhu vanga vave kuishandisa mukusimudzira pfungwa dzavo munyaya dzezvematongerwo enyika.