Accessibility links

Breaking News

Komisheni yeZanu-PF Yopomerwa Mhosva yeKutora Basa reZACC


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kusangana mumazuva mashoma anotevera nechikwata chichaongorora huori huri kupomerwa vamwe vakuru mubato reZanu-PF nevechidiki vebato iri veYouth League.

Asi nyaya iyi yakonzera mutauro munyika vamwe vachiti iri ibasa rinofanira kuitwa neZimbabwe Anti Corruption Commission kana kuti ZACC.

Asi kunyangwe havo vachitenda kuti nyoka huru haizvirume, munyori anoona nezvemutemo mubato reZanu-PF, VaPaul Munyaradzi Mangwana, vanoti vanopikisa kusanganisira veMDC vari kugunun’una nenyaya iyi sezvo vasingafanire kupindira kana dzemudanga dzotungana.

Vakapomerwa mhosva dzehuori vanosanganisira vaimbova makurukota, vanosanganisira munyori wezvemabasa eZanu PF, VaObert Mpofu, vakadzingwa basa segurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Priscah Mupfumira; gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya; muzvinabhizinesi anodyidzana neZanu PF, VaWicknel Chivayo, VaMlungisi Moyo, Muzvare Elizabeth Mutsvangwa, Muzvare Henrietta Rushywa, VaNevile Mutsvangwa, Va Tongayi Muzenda, VaLipson Mhonda, Dr. Shar naVaTafadzwa Musarara veGrain Millers Association of Zimbabwe.

Nhengo dzekomisheni iyi dzichaongorora vanhu ava dzinosanganisira VaWilliam Mutomba (Manicaland), Amai Sheilla Mabasa (Mashonaland West), VaMax Zvidzai (Midlands), VaTshinga Dube (Bulawayo), nevamwe.

Ko ivo vechidiki veZanu-PF vakarova bembera kuti mubato mapindwa naPongwe vari kutenderana here nedanho rekuumba komisheni sezvo pavaitaura vaiti vane chivimbo neZACC?

Vanoona nezvekurongwa kwemabasa muZanu-PF Youth League, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti vari kufara nedanho rePolitiburo yebato ravo rekudoma komisheni iyi.

Vanoongorora kufambiswa kwemabasa musangano reAnti Corruption Trust of Southern Africa, VaAlois Chaumba, vanoti ZACC ndiyo inofanira kunge ichiongorora nhengo dzeZanu-PF idzi.

Vachipawo pfungwa dzavo, nhengo yeMDC inomirira Kambuzuma vari nhengo yeAfrican Parliamentarians Against Corruption, VaWillas Madzimure, vanoti mitemo munyika yekurwisa huori iripo asi haisi kutevedzwa nemazvo.

Asi VaTsenengamu vanoti VaMnangagwa vari kuzadzikisa zvido zvevechidiki nezvavakavimbisa munguva yesarudzo pakurwisa huori.

Asi VaMadzimure vanoti muromo hauzarirwe nerwizi vachiti hapana zvinzhinji zviri kuitwa kusunga vanoita zvehuori.

Zvichakadaro, VaMnangagwa ndivo vange vari munyarikani pahurongwa hwekuyeuchidza vanhu nezvekurwisa huori hwange hwakarongwa ne ZACC neNational Prosecuting Authority.

Hurongwa hwekudzidzisa vanhu nezvehuori uhu huri kutarisirwa kuitwa kwemwedzi gumi nemishanu.

VaMnangagwa vatiwo zvirango zvakatemerwa nyika zvinopawo kuti munyika muite huori sezvo zvimwe zvinhu zvinenge zvoshaika zvopa makoronyera mukana wekuita zvechioko muhomwe.

Panyaya dzehuori pasi rose, sangano reTrasparency International rinoti nyika iri pachidanho chezana nemakumi matanhatu panyika zana nemakumi masere dzakaongororwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG