Accessibility links

Breaking News

Komisheni Inoona neZvekuregerana Yoita Misangano Yakakosha muHarare


VaObert Gutu.
VaObert Gutu.

Mutauriri wekomisheni inoona nezvekuregererana yeNational Truth and Reconciliation VaObert Gutu vanoti muhurongwa hwavo hwekutenderera mumatunhu, nemusi weChipiri vanenge vari kutarisira kuita misangano muHarare.

Vanoti vachaita misangano negurukota rinoona nezvedunhu reHarare VaOliver Chidawu.

Meya weHarare VaStewart Mtizwa, vakuru vemapurisa uye vemapato ezvematongerwo enyika kuti vatsvage nzira dzekuyedza kuunza runyararo muHarare nguva dzose.

VaGutu vari kuenderera havo mberi nebasa sakomishina kunyangwe hazvo sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Association rakavaendesa kudare repamusoro richiti vanofanira kusiya basa nekuti kudomwa kwavo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kutyora bumbiro remitemo sezvo vanonzi vakabuda pachena vachiti inhengo yeZanu-PF.

Komisheni iyi pamutemo inoda vanhu vakazvimirira. VaGutu kunyangwe vakaenda kuState House vachiti vave nhengo yeZanu-PF vanoti havana kumbova nhengo yebato iri zviri pamutemo. Vanoti vanokwanisa kuita basa vakazvimirira pasina kurerekera rimwe bato.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG