Accessibility links

Breaking News

Ko Ndiyani Achashandira Mumuzinda weMorgan Richard Tsvangirai House Pakati paVaChamisa naMuzvare Khupe?


Zvichitevera mutongo wedare repamusoro soro reSupreme Court nemusi weChipiri wekuti ndiyani anofanira kumbotungamira bato reMDC kubva zvakashaya VaMorgan Tsvangirai, vanhu vakawanda vari kuda kuziva kuti ndiyani chaiye muridzi weRichard Morgan Tsvangirai House kana kuti Harvest House.

Dare rakati Muzvare Thokozani Khupe ndivo vanofanira kubata matomu muMDC T kusvika paitwa sarudzo mukati memwedzi mitatu.

Asi nyaya yekuti ndiyani anopinda mumuzinda webato ndiyani inenge yakati omei sezvo paine vanhu vaviri vanochengetedza chivakwa ichi vanove VaIan Makone naReverend Tim Neil vaimbotungamira Church of the Province of Central Africa kana kuti CPCA.

Munyori mukuru weMDC Alliance, VaCharlton Hwende vatenda kuti muzinda uri mumaoko evaviri ava uye ivo ndivo vari kubvumidzwa kuushandisa parizvino.

Vari kuzvitiwo vave munyori mukuru webato iri sezvo vachiti radzokera kuhutungamiri hwaro hwa2014 VaDouglas Mwonzora vatendawo kuti muzinda uyu uri mumaoko aVaMakone naVaNeil.

Asi vati vanofunga kuti vachabvumidzwa kushanda mauri. Hatina kukwanisa kubata VaMakone naVaNiel kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG