Accessibility links

Breaking News

Kimberley Process Inopa Zimbabwe Mvumo Yekutengesa Mangoda ekwaMarange


America, iyo inomisa musoro zviri pachena pakuomesera Zimbabwe kuti isabvumidzwe kutengesa mangoda ayo pasina anoiongorora, yaramba kuvhota neChipiri apo pange poitwa chisungo chekuti Zimbabwe yopihwa here kana kuti kwete mvumo yekutengesa mangoda ayo isingaongororwe .

Izvi zvaitwa pamusangano we Kimberley Process muKinshasa kuDemocratic Republic of Congo, apo dzimwe nyika dziri muKP, dzawirirana kupa Zimbabwe mvumo yekutengesa mangoda ekwa Marange zviri pamutemo.

Muchibvumirano chabuda kuKinshasa ichi, icho chisina ruoko rwe America, makambani ari kuchera mangoda kwaMarange e Marange Resources neMbada ndiwo apihwa mvumo yekutengesa mangoda awo pasina muongorori.

Asi kambani yeAnjin, inova yemubatanidzwa weChina ne Zimbabwe, ichambotanga yaitwa ongororo yayo yega mumasvondo maviri ari kutevera kuti ionekwe kuti iri kutevedzera here zvese zvinodiwa neKP.

Muongorori wekutengeswa kwemangoda, VaAbbey Chikane veku South Africa, vachange vava nemumwe munhu anovabatsira kuita ongororo mukutengeswa kwemangoda aya.

Gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vanoti vari kufara nekuti Zimbabwe yava nemukana wekutengesa mangoda ayo zviri pachena uye zvinozopa vana ve Zimbabwe cheuviri.

Mumiriri wemasangano akazvimirira ega muKimberley Process muZimbabwe, VaShamiso Mtisi, vanoti havasi kufara nemanyorerwo aitwa chibvumirano chabuda kuKinshasa.

Mune imwewo nyaya yemangoda ekwa Marange, mumiriri we Bulawayo South mudare reparamende yepasi, VaEddie Cross, vanoti hupenyu hwavo huri pakaoma mushure mekunge vaburitsa mazita evamwe vanhu vari muchiuto nemuZANU-PF avo vavanoti vari kuba mangoda ekwa Marange.

VaCross vakakwidza kudare reparamende svondo rapera nyaya yekuti hurumende itore minda yese yemangoda ekwaMarange nekuti iri kubirwa mangoda nevanhu vashoma vari kudya vega nyika ichishupika.

Kurudziro yaVaCross yakaendeswa neMuvhuro kumutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, kuitira kuti vayiise mudare remakurukota kuti igozeyiwa.

VaCross vanoti kubva pakaitika izvi pane vanhu vari kuti vanoda kuvauraya uye vanoti vasori vari kuvatyisidzirawo. Nyaya iyi inonzi yava mumaoko emapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG