Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vopesana naVaKasukuwere paMitemo Mitsva Inobata Migodhi


Gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, vanoti hurumende ichaburitsa mitemo neChishanu inokomekedza kuti hurumende itore zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zvehupfumi mumakambani anoita zvemigodhi munyika.

Asi mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hapana hurongwa hwakadai, vachiti hapana mitemo inodzikwa ivo vasingazive. Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vati zviri kutaurwa naVaKasukuwere hazviratidze pamire hurumende yemubatanidzwa munyaya dzemigodhi.

VaKasukuwere vataura mashoko aya pamusangano wemazuva maviri wekukwezva vemabhizinesi kuti vadyare mare dzavo muZimbabwe. Musangano uyu wapera neChitatu, uye wapindwa nevemabhizimisi ekunze kwenyika, makurukota ehurumende nevamwe.

Gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaTapiwa Mashakada, vanoti musangano wavo wemazuva maviri wabudirira zvikuru.

VaMashakada vanoti musangano uyu wapindwa nevanhu vanodarika chiuru nemazana masere.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaEric Block, vaudza Studio7 kuti zviri kuda kuitwa naVaKasukuwere hazvina kusiyana nekupenga uye zvichaita kuti vemabhizimisi ekunze vasauye munyika.

VaBlock vati hurumende haina mari yekutanga homwe ye Sovereignity Wealth Fund iri kutaurwa naVa Kasukuwere, iyo ichashandiswa muchironga chekutora zvikamu zvakawanda.

Mukuru we sangano reAffirmative Action Group, Va Supa Mandiwanzira, vanoti zviri kurongwa nehurumende kuburikidza nebazi raVaKasukuwere, zvakanaka chose.

XS
SM
MD
LG