Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMasvingo Yotadza Kuita Basa neKushaya Dhiziri


Poita kusawiriana pakati pevagari nekanzuru yeMasvingo zvichitevera kuburitswa kwemashoko ekuti kanzuru yakumbomira kuita mamwe mabasa akakosha mudhorobha iri nekuti yave nemavhiki matatu ichishaiwa mafuta edhiziri edzimotokari dzebasa.

Chiziviso ichi, chakaitwa namabharani wedhorobha iri, Engineer Edward Mukaratirwa, nezuro.

Kanzuru ichambomisa kutakurwa kwemarara, kufambiswa kwenhakura varwere kana kuti ambulance pamwe, motokari inodzima moto, uye kuendesa vashandi vayo kunogadzira masuweji nemapaipi emvura anenge adhuuka mudzimba.

Mashoko aya agamuchirwa nekunyunyuta nevagari vachiti kana kanzuru yadai zvinoreva kuti yakonewa basa uye zvinogona kukonzera kupararira kwezvirwere mudhorobha ragara rine dambudziko remvura.

Mugari wemu musha weMustaf, kuward 2 VaRichard Munyene vanoti kanzuru inenge yaisa hupenyu hwevagari parumananzombe nekuti zvirwere zvakawanda zvinogona kupararira.

Mumwe mugari wekuRujeko, VaMaxwell Zenda, vanoti kana kanzuru yamira kuita zvose izvi zvinoreva kuti yavharwa nekudaro vakuru vayo nevashandi vanofanira kumira basa nekuti vakonewa.

VeSangano rinomirira vagarai reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance(MURRA), VaAnoziva Muguti, vanoti kanzuru haifaniri kusvika pakushaisisa mazano ekuwana zvikwanisiro zvebasa nekudaro inofanira kuita misangano nevagari kuti ipuwe pfungwa dzekukunda dambudziko iri.

Meya weguta reMasvingo, VaCollen Maboke vati dambudziko iri riri kuvashungurudza asi vari pakati pekukumbira hurumende kuti ipe vemakanzuru dhiziri kubva kukambani yenyika ye NOCZIM kuti vasamirire zviteshi zvemafuta izvo zviri kunetsekawo.

VaMaboke vatiwo magaraji ane mafuta ekufambisa dzimotokari ari kuatengesa nechikero chemari yepamukoto uye kanzuru haibvumidzwe kutenga kumagaraji aya. Vaenderera mberi vachiti magaraji avanotenderwa nemutemo kutenga mafuta aya ave nemavhiki akawanda asina.

Vatiwo vachayedza kusimudza nyaya iyi kugungano remakanzura reUrban Councils of Zimbabwe kuti vaone kuti vangaite sei sezvo makanzuru ose asangana nedambudziko iri.

Gurukota rinona nezvematunhu munyika, VaJuly Moyo, vati vange vari mumusangano pavabatwa kuti vatipe pfungwa dzavo padambudziko riri kusangana nemaguta akawanda munyika iri.

Nyanya Ina Godwin Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG