Accessibility links

Breaking News

Kanzuru YeHarare Yotumira Masamanisi Kuvagari Vasina Kubhadhara Mvura


Kanzuru yeHarare yatumira masamanisi kuvagari zviuru zvishanu pamwe nemakambani mazana mashanu nemakumi matatu nemasere.

Kanzuru yeHarare yatumira masamanisi kuvagari zviuru zvishanu pamwe nemakambani mazana mashanu nemakumi matatu nemasere.

Kanzuru iyi inoti iri kuda kuti ibhadharwe mari inosvika mamiriyoni makumi masere emadhora, iyo isina kubhadharwa kubva muna 2009.

Mari iyi inonzi ndeye mvura nemimwe miripo inobviswa. Ruzhinji rwemakambani akatumirwa masamanisi aya ari munzvimbo dzinoti graniteside, workington nemu central business district.

Vagari vemunzvimbo dzinoti Mbare, Mabvuku, Highfield, Tynwald, Kuwadzana, Tafara neKambuzuma, ndivo vakatumirwa masamanisi aya.

Sachigaro ve Harare Residents Association, va Simbarashe Moyo, vashora danho iri vachiti vachagara pasi nechimbichimbi kuti vazeye matanho ekutora kubatsira vagari nemakambani ari kupihwa masamanisi.

XS
SM
MD
LG