Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yosungisa VaChombo naVaChiyangwa


Kanzuru yeHarare yamhan’ara kumapurisa kuti vese vakapanana kana kutenga nzvimbo dzekuvakira kukanzuru iyi nenzira isiri kwayo vasungwe nenyaya yekuita zvehuori. Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nekomiti yaitungamirwa nakanzura weHarare, VaWarship Dumba.

Vakasanobata chinzvimbo chameya weguta reHarare, Amai Charity Bango, vamhan’ara nyaya iyi paHarare Central Police kubazi re serious fraud section neMuvhuro masikati.

Amai Bango vaudza Studio7 kuti vamhan’ara kuti kanzuru yakabirwa pakatengeswa nzvimbo dzekuvakira.

Amai Bango vati nyaya yavasvitsa kumapurisa ndeyekutanga, uye vachadzokera zvakare kumapurisa nemagwaro ane mazita evanhu vese vakaita kuti kanzuru arasikirwe nemari pakutengeswa kwenzvimbo idzi.

Ongororo yaitungamirwa naVaDumba yakatarisa matengeserwe aitwa masitendi nedzimba dzekanzuru kubva mugore ra2004 kusvika gore rapfuura.

Komiti yekanzuru iyi yakaona kuti vakuru vakuru mubato reZanu PF vakaita segurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, pamwe namuzvinabhizimisi, VaPhilip Chiyangwa, vakabira kanzuru yeHarare apo vakatengeserwa masitendi ekanzuru zviri kunze kwemutemo.

Komiti iyi yakaonawo kuti dzimwe nguva vanhu ava vaitenga masitendi aya nemari iri pasi pasi.

Komiti iyi inoti zvese izvi zvaitwa vanhu ava vachibatsirwa nevamwe vashandi vakuru mukanzuru.

Vamwe vashandi vakuru mukanzuru vanonzi vakaiita huwori mukuru anoona nezvemari, VaCosmas Zvikaramba, pamwe nemutungamiri webazi re urban planning services, VaPyschiology Chiwanga. Komiti yaVaDumba inoti vese ava vanofanirwa kusungwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa.

Svondo rapfuura, VaChiyangwa vakasungisa makanzura akaita ongororo iyi pamwe nevatori venhau vachiti vakasvibisa zita ravo nekutaura pamwe nekunyora manyepo pamusoro pavo.

Zvichakadai, kanzuru yeHarare yakaramba kubhadhara vanhu vakatsvagwa naVaChombo kuti vaongorore makanzura ari kupomerwa mhosva yekudzinga vanhu vari kugara mudzimba dzekanzuru.

VaChombo vakanyorera kukanzuru iyi svondo rapfuura vachiti kanzuru ipe vanhu ava zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica pamunhu kuvanhu ava apo vange vachiita ongororo yavo uye kuti ivatengere chikafu pamwe nekugarisa muhotera yepamusoro yeRainbow Towers.

Kanzura Friday Muleya vati makanzura ese akabvumirana nemusi weChishanu kuti haasi kuzobhadhara mari iyi achiti ivo VaChombo ndivo vanofanira kubhadhara vanhu vavakatsvaga kuti vavaitire basa.

Munyori wekanzuru yeHarare, VaTendai Mahachi, vakati vanhu vese vari kuburitswa mudzimba dzekanzuru havakodzeri kunge vachigaramo sezvo vasiri vashandi vekanzuru.

Panguva yemakomisheni aisarudzwa naVaChombo, vatsigiri veZanu PF vaingopinzwa mudzimba dzekanzuru zvisiri pamutemo wekanzuru yeHarare.

XS
SM
MD
LG