Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yoronga Kutengesa Midziyo yeVagari Vane Zvikwereti


Kanzuru yeguta reHarare inoti yakatanga hurongwa hwekutorera vagari veguta iri midziyo yavo senzira yekudzora nayo zvikwereti zvemari dzemvura nemitero zvine vagari ava.

Meya weguta reHarare, VaMuchadeyi Masunda, vanoti vagari vane zvikwereti zveguta zvinodarika mamiriyoni makumi masere emadhora, mari ingadai ichishandiswa mubudiriro yeguta. Asi vatiwo vanofadzwa nekudzikira kwaita chikwereti chehurumende kubva pamamiriyoni makumi manomwe emadhora kuenda pamamiriyoni makumi mana emadhora.

Mutewedzeri wameya weguta reHarare, VaEmmanuel Chiroto, vaudzawo Studio7 kuti zvikamu zviviri kubva muzana zvevagari veguta vane zvikwereti ndizvo zvichatorerwa matanho ekutorwa kwemidziyo, sezvo zvisina kutora matanho kubva pazvakatanga kuwana magwaro ekanzuru aizvizivisa nezvedanho iri.

Asi mutauriri werimwe remasangano evagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti sevagari havasi kuzotambira danho iri, sezvo kanzuru yeHarare iri kukundikanawo kuwanisa vagari zvinhu zvakaita semvura nezvimwe zvakadaro.

XS
SM
MD
LG