Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoti Haina Kudzinga Nhengo dzeZanu PF


Kanzuru yeguta reHarare yaramba mashoko ekuti iri kudzinga basa vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF, zvikuru vechidiki vakaita zvidzidzo zvavo zveNational Youth Service.

Bepanhau reThe Herald rinoti vanofungidzirwa kuti vanodyidzana neZanu PF vanosvika makumi maviri vaishanda semapurisa ekanzuru, vakamiswa basa zvisina tsarukano, uye nzvimbo dzavo dzakaiswa vatsigiri veMDC.

Zvinonzi vakadzingwa mabasa ava vakatonyorera tsamba yenyunyuto kumunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaDidymus Mutasa, avo vati vakaedza kutaura nameya weHarare, VaMuchadeyi Masunda, pamusoro penyaya iyi asi hapana chati chagadziriswa.

VaMutasa vati vakatambira tsamba kubva kune vechidiki vanoti vakamiswa basa ava kuitira kuti vavabatsire.

Asi mutevedzeri wameya weHarare, VaEmmanuel Chiroto, vanoti kanzuru yavo haina masimba ekudzinga vanhu basa, sezvo simba iri riri mumaoko eZanu PF, kuburikidza negurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo.

XS
SM
MD
LG