Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeChitungwiza Yoramba Kuteerera Zvakatarwa neKomiti yeParamende

Chitungwiza
Chitungwiza
Kanzuru yeChitungwiza inoti yakatevedzera zvose zvinodiwa nemitemo pakumbomisa basa kwayakaita vashandi vatatu vari kupomerwa mhosva yekutaura mashoko anofumura kanzuru iyi kumapepanhau pamwe nekomiti yeparamende inoona nezvemabasa.

Meya veguta reChitungwiza, VaPhilip Mutoti, vanoti munyori wekanzuru yavo, VaGeorge Makunde, vakatedzevera mitemo yezvemabasa pavakatora danho rekumbomisa basa nhengo yesangano revashandi vekanzuru, VaNgonidzashe Marau, sachigaro vesangano revashandi vekanzuru yeChitungwiza, VaEphraim Katsina, pamwe nemunyori wesangano iri, VaTamson Bamusi.

Vatatu ava vanonzi vakamira pamberi pekomiti yeparamende vachipa humbowo hwemafambisirwo avanoti ari kuitwa zvinhu mukanzuru pamwe nehuwori hwavanoti huri kuitwa nevakuru vakuru vekanzuru.

VaMutoti vanotiwo varume ava vakaudza vemapepanhau zvimwe chetezvo ivo vasina mvumo yekutaura vakamirira kanzuru, izvo zvakazoita kuti vambomiswe mabasa.

Asi nemusi weChitatu svondo rino, paramende yakabuda nechisungo chekuti vatatu ava vadzoserwe pamabasa avo vasina kurasikirwa nemari.

Asi VaMutoti vanoti danho rekuti vadzoserwe pamabasa avo rinozoitwa chete kana vatatu ava vachinge vatanga vamiswa pamberi pekomiti inoranga vanenge vatsaudzira vachipawo mativi avo pamwe nekuzvichenura.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi revatatu ava sezvo nhare dzavo dzanga dzisinadavirwe. Hatina zvakare kunzwa danho richitorwa nekomiti yeparamende iyo iri kupikiswa neChitungwiza
This item is part of
XS
SM
MD
LG