Accessibility links

Kambani yeLobels muHarare Inombovhara

  • Jonga Kandemiiri

Chingwa chinonzi chiri kumbonetsa muHarare zvichitevera kumbovhara kweimwe kambani inobika chingwa, yeLobels Bakery, pamwe nematambudziko akasiyana siyana ari kusanganikwa navo nevanobika chingwa.

Harare inonzi inoda marofu anosvika mazana matanhatu ezviuru pazuva, asi vanobika chingwa vanonzi vari kukwanisa kubika marofu zana nemakumi mashanu ezviuru chete.

Matambudziko anzi ari kunyanyonetsa kushaikwa kwefurawu yekubikisa chingwa, kusakara kwemichina mizhinji uye kunetsa kwemagetsi.

Kambani yeLobels Holdings yave pasi pavana muzvinabhizimusi vechitema, vanosanganisirawo vamwe vaimbowe vakuru vemauto.

Kambani iyi inonzi ine zvikwereti zvino darika miriyoni imwe chete yemadhora uye mimwe midziyo yakatotorwa nevakakweretwa mari.

Mumwe wevaridzi veLobels Holdings, Retired Brigadier David Chiweza, vabvuma kuti kambani yavo yambovhara kwemazuva makumi matatu asi varamba kutaura zvizhinji.

Mutungamiri weNational Bakers Association of Zimbabwe, VaCydwell Chitewe, vaudza Studio 7 kuti dambudziko rechingwa harina kunyanya zvaro zvekuti vanhu vangatya.

Nyanzvi mune zveupfumi, VaProsper Chitambara, avo vano shanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vatiwo dambudziko rekushaikwa kwechingwa richawedzera nekuvhara kwekambani yeLobels.

XS
SM
MD
LG