Accessibility links

Breaking News

Kambani yekuAustralia Inoti Pane Mukana Wakakura weKuwana Mafuta eOil muZimbabwe


Winston Chitando, Zimbabwe minister of Mines and Mining Development
Winston Chitando, Zimbabwe minister of Mines and Mining Development

Imwe kambani yekuAustralia inonzi Invictus Energy ichishanda nekambani yeNetherlands, Sewell and Associates inoti tsvakiridzo yayakaita kwaMuzarabani, Mashonaland Central inoratidza kuti nzvimbo iyi inogona kunge iine mafuta anoshandiswa mukufambisa dzimotokari anokwanisa kucherwa kwemakore makumi maviri anotevera.

Mukuru wekambani yeInvictus VaScott Macmillan vanotiwo mhando yeGas iri mumatsime aya inogona kushandiswa neZimbabwe kwemakore makumi mana anotevera. Ongororo iyi inonzi ichiri kuenderera mberi.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika dziri kuyambira Zimbabwe kuti isakurumidze kumedza kutsenga ichada.

Gurukota rezvemigodhi VaWinston Chitando vaudza komiti yeparamende inoona nezvemigodhi nezvicherwa kuti kambani yeInvictus Energy yatova pamberi mukuyedza kuona kuti mafuta aya anga cherwa sei ichishanda ne hurumende.

Mukokeri webato reMDCinotungamirwa naVa Nelson Chamisa mudare reparamende uye vari nhengo yekomiti yezvezvicherwa nemigodhi muparamende, VaProsper Mutseyami vanoti havaoni zviri kutaurwa ne gurukota rezvezvicherwa VaChitando ndezvechokwadi. Vanoti vanotyira kuti hurumende inogona kutaura zvinhu zvisipo kuda kufadza vanhu chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG