Accessibility links

Breaking News

Air Zimbabwe Yotengeswa kuKambani yekuChina?


Sachigaro webhodhi re Hainan, Va Chen Wenli, vakati kambani yavo ichiri kutarisa gwaro re zimbabwe rekutengesera kambani yavo Air Zimbabwe. Mumiriri we Zimbabwe ku China, Va Fredrick Shava, vanoti hurukuro dzekuti Hainan itore Air Zimbabwe dzakatanga kare

Air Zimbabwe inonzi iri pakati pekuita hurukuro nekambani yeku China, Hainan Airlines kuitira kuti kambani iyi itenge Air Zimbabwe.

Bepanhau re Herald rinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasangana neChina nevakuru veHainan vakakurukura nyaya yekuti kambani iyi itore Air Zimbabwe.

Sachigaro webhodhi reHainan, Va Chen Wenli, vanoti kambani yavo ichiri kutarisa gwaro re Zimbabwe rekutengesera kambani yavo Air Zimbabwe.

Mumiriri we Zimbabwe kuChina, Va Fredrick Shava, vanoti hurukuro dzekuti Hainan itore Air Zimbabwe dzakatanga kare.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mukambani iyi. Air Zimbabwe haina mari yekubhadhara vashandi vayo. NeChina, vakuru vekambani iyi vakavharirwa mumahofisi mavo nevashandi vari kuda kubhadharwa mari dzavo dzimihoro dzavasati vaphiwa kwenguva yakareba.

Nguva zhinji vashandi vekambani iyi vanogara vakakanda mapadza pasi, ndege dzichitadza kusimuka.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti Air Zimbabwe inofanirwa kuva kambani yakazvimirira, kwete kuti ive yehurumende.

Sachigaro wekomiti yeparamende inowona nezvekutakurwa kwezvinhu, Va Blessing Chebundo, vanoti komiti yavo haidi kuti Air Zimbabwe itorwe yese nekambani yekunze asi kuti vashande vose.

XS
SM
MD
LG