Accessibility links

Breaking News

Kambani yeHurumende yeCottco Yotadza Kubhadhara Varimi veDonje Mari Inodarika Bhiriyoni neChidimbu


Varimi vedonje kuChiredzi nekuZaka vari kuchema chema kuti kambani yehurumende yeCotton Company of Zimbabwe (Cottco) haisati yavabhadhara mari yedonje ravakaitegesera ngore rino nerapera vachiti izvi zviri kuita kuti vanonge svosvenemuromo sezvo vachirarama nemari yekurima.

Vamwe varimi vataura neStudio 7 vati vakangopuwa magirosari nekambani iyi yatadza kuvabhadhara ichiti inozopedzisa kuvabhadara asi nanhasi hapana chavati vawana.

Amai Egeness Jerera, vemuward 28 kuZaka ndemumwe murimi anoti haachina kana pekutangira.
Vati zvekudya nezvimwe zvekushandisa zvavakapihwa zvaiva zvishoma zvekuti havasi kukwanisa kuraramisa mhuri yavo.

Bhero redonje rine makirogiramu mazana maviri rinoita zviuru gumi nezvina zvemadhora kana kuti 14 000 RTGS kana zana nenomwe pamadhora ekuAmerica pamusika weRBZ Auction Exhange Rate.

Mukuru webasa kukambani yeCottco, VaPius Manamike, vatenda kuti havasati vabhadhara vamwe varimi mari dzegore rapera nekuti vakavhiringwa nekuchinjwa kwekushandiswa kwemari dzemunhar mbozha gore rapera vakazopa vanhu magirosari.

Vati asi hurumende yakatotanga kubhadhara vamwe varimi munyika kuti ipedze zvikwereti izvi.

Gurukota rezvekurima munyika, VaAnxious Masuku, vange vasingadairi nhare yavo kana kupindura tsamba asi vakaudza varimi vedonje munguva pfupi yadarika kuti hurumende yatanga chironga chekuvabhadhara zvikwereti zvavo.

Asi vamwe varimi vakaita sava VaBitias Mombe, vekuChiredzi, vapikisa izvi vachiti havasati vabhadharwa kusvika parizvino kana yegore rapera.

Nyaya Ina Godfree Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG