Accessibility links

Breaking News

Kambani yeAir Zimbabwe Yotarisana neMatambudziko Makukutu


Kuramwa mabasa kwevatyairi vendege nevamwe vashandi veAir Zimbabwe, pamwe nemamwe matambudziko ari kusanganikwa nawo nekambani iyi, zvaita kuti zvinhu zviome zvikuru, izvo zvava kuita kuti kambani iyi iwire pasi.

Vashandi ava vari kuda mari dzavo dziri kutadza kubhadharwa nekambani iyi kwemwedzi yakawanda.

NeMuvhuro, vashandi ava vakaudza komiti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu kuti hurumende inofanirwa kudzinga mamwe mamaneja nevakuru vebhodhi sezvo vari ivo vari kutadzisa kufambisa zvinhu zvakanaka mukambani iyi.

Vamwewo ndivo vari kukurudzira hurumende kuti ipe kambani iyi kumakambani akazvimirira oga kuitira kuti ishande zvisina kupindira kwehurumende mukati.

Air Zimbabwe ine chikwereti chemari dzevashandi inosvika mamiriyoni mana, uye kana ichishanda inoita chikwereti chinodarika mamiriyoni matatu pamwedzi woga-woga. Zvikwereti zvayo zvose zvinofungidzirwa kuti zvinosvika zana remamiriyoni emadhora.

Vashandi vari kuramwa mabasa ava vakavimbisa kuti havasi kuzodzoka kubasa kana vasina kutanga vapiwa mari dzavo.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vaudza Studio7 kuti chinodiwa pari zvino kuti kambani yeAir Zimbabwe isimuke zvakare kubatana nemakambani ekunze ane hunyanzvi.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanotiwo vezvematongerwo enyika vanofanirwa kumira kuisa maoko avo mumafambisirwo ezvinhu mukambani iyi.

XS
SM
MD
LG