Accessibility links

Breaking News

Kalusha Bwalya Otaura Pamusoro peChikwata Chake cheZambia


Sachigaro veFootbal Association of Zambia, VaKalusha Bwalya, vanoti kunyange hazvo chikwata chavo chiri muchikwata chenhabvu chine nyika dzinogona samare, Zambia iri kutarisira kubudirira mumakwikwi eAfrican Cup of Nations ayo ari kutambirwa muAngola.

VaBwalya, avo vakamboita mukurumbira apo vaitambira chikwata chenyika yavo che Chipolopolo, uye kumborairidza kwavakaita chikwata ichi, vanoti Zambia ine mukana mukuru sezvo iri nyika inogona kutamba bhora, munguva munguva dzakaoma.

Zambia iri muchikwata chine nyika dzinoti Gabon, Cameroon neTunisia. Chikwata ichi chatamba neTunisia manheru eChitatu, mutambo uyu ukapera ari mangange 1-1.

Mitambo iyi iri kuitwa nenyika gumi neshanu, zvichitevera kubuda mumakwikwi aya kwakaita Togo, iyo yakaurayirwa vamwe vayo nevapanduki vari kurwisa munyika iyi mazuva mashoma apfuura.

XS
SM
MD
LG