Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vokurudzirwa Kunzwisisa Matambudziko eVanhu Vakaremara


Zimbabwe journalists outside the Constitutional Court after it struck off defamation in the southern African country, Feb. 3, 2016. (Sebastian Mhofu/VOA)

Vakaremara vanoti vatori venhau vanofanirwa kuve neruzivo rwakakwana pamusoro pehurema kuitira kuti vakwanise kunyatsonyora pamusoro penyaya dzevakaremara vane dambudziko reHIV/AIDS.

Vanomiririra vakaremara muparemende, Seneta Rejoice Timire, vanoti vatori venhau vakawanda havasi kukwanisa kutsetsenura matambudziko anosangana nevakaremara, kuburikidza nechirwere chemukondombera.

Chipanga mazano chemutungamiriri wenyika pamusoro pezvishuwo zvevakaremara, VaJoshua Malinga, vanoti vatapi venhau havana dzidziso yakakwana pamusoro pehurema.

VaDauson Chauke, avo vane makore makumi mairi ekuberekwa, uye vasina rumwe ruoko, vari kuita zvidzidzo zvavo pa Great Zimbabwe University.

Vanoti vakawanda vasinganzwe kana kutaura nevamwe vasingaone, havasi kuwana ruzivo pamusoro penhaurwa dze HIV/AIDs dzinoburitswa mumapepanhau nemuterevhizheni.

"Vamwe vakaremara havagone kuverenga. Vanosiya chikoro panzira, vamwe vanoenda kuzvikoro zvakaita sana Kapota kana mamwe ma day schools panenge pasina mumwe akaremara akaita saiye. Anozviona ari different obva asiya chikoro. Zvinoiswa pama radio haakwanise kunzwa. Kuti abvunze kuti makateerera here kana kuti hamuna haakwanisi nekuti ma speakers anenge ari kure. Haakwanise kuziva kuti chii chiri kuitika. Vaye vasingakwanise kuona ma posters akawandisa vamwe vanoona 15 centimetres ende ma posters anenge ari height yaasingakwanise kusvikira. Saka panofanira kuitwa ma adjustments kuti vanhu ivavo vakwanise kusvikirwa," vadaro VaChauke.

Izvi zvinotsinhirwa naVaTendai Dimikira, vanova mutevedzeri wasachigaro weNational Disabled Persons’ Organisation.

Muzvare Tinotenda Chikunya, avo vari kuita zvidzidzo zvavo zvekutapa nhau vari muHarare, vanoti vatori venhau vanofanirwa kushandura mabatiro avanoita nhau dzine chekuita nevakaremara, zvikuru dzeHIV.

Mashoko aya anotsinhirwa namuzvinafundo Tsitsi Chataika, chipangamazano musangano reUNICEF pamusoro pezvishuwo zvevakaremara.

Dr. Chataika vanoti dambudziko revatori venhau rekushaya ruzivo pamusoro pehurema rinokwanisa kugadziriswa vachiri kuzvikoro.

Nyanduri uye ari muimbi, Albert Nyathi, anoti vatori venhau havafaniri kunyora nyaya vasati vanzwisisa magariro evanhu vavari kuda kutsanangura nezvavo.

Mushamarari kuRadio Zimbabwe asingaone, Liberty Lupahla, anoti akatotora matanho nechakare ekuonana nevakuru vakuru vebazi rehurumende rinoona nekuburitswa kwemashoko kuitira kuti dambudziko riripo rigadziriswe.

"Ndoyatiri kutaurirana neministry of information mazuvano kuti we need policy ine chekuita nema disability issues. I was speaking to VaMangwana vachiti we have to incorporate disability into our media policy so that a media house, whether TV station or newspaper isingaburitse ma disability issues inenge yatyora muraw," adaro Lupahla

Zvichakadaro, hurumende yeAmerica ichishanda pasi pechirongwa che United States President’s Emergency Plan for Aids Relief, PEPFAR, iri kukurudzira vatori venhau kuti vave nezvinyorwa zviri maererano neHIV zvinobata vakaremara izvo zvinozoongororwa pamakwikwi anozopuhwa mubairo pakupera kwegore rega rega.

Vakaremara vakawanda vanoti shuviro yavo ndeyekuti vatori venhau vave neruzivo rwakakwana panyaya dzavanoburitsa dzinobata vakaremara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:11:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG