Accessibility links

Breaking News

JOMIC Inoti ZBC Ipindure Zvairi kuPomerwa neMDC-T


Boka rinoona nezvekuzadziswa kwechibvumirano cheGPA, reJOMIC, rakanyorera ZBC tsamba richida kuti ipindure pane zvairi kupomerwa nebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, zvekuti inoshandisa mashoko ekunyomba uye kuti yakarerekera kubato reZanu PF.

Tsamba iyi, iyo yakanyorwa svondo rapera, inonzi yakasvitswa kune mukuru weZBC, VaHappison Muchechetere kuti vapindure, uye yakanga yakabatanidzwa netsamba yenyunyuto yakanyorwa muna Kukadzi wegore rino nemunyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti.

Zvimwe zviri kunyunyutwawo nebato reMDC kuJOMIC mashoko anonzi akataurwa nemumwe mukuru wemauto, Brigadier-General Douglas Nyikayaramba ekuti mauto haazofi akasaruta VaTsvangirai kana dai vakakunda musarudzo.

Mutauriri weJOMIC, VaJoram Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kuwana mhinduro nekukasika kubva kuZBC.

XS
SM
MD
LG