Accessibility links

Breaking News

JOMIC Inoti Ichakamirira Nhumwa Dzakanzi Dzichadomwa neSADC


Boka reJoint Monitoring and Implementation Committee, kana kuti JOMIC, rinoti harisati ranzwa kubva kuSADC kuti nhumwa nhatu dzakanzi dzichadomwa nenyika dziri muSADC Troika kuti dzinge dzichishanda nesangano iri dziopinda riini munyika, sezvo SADC yakanyarara panyaya iyi.

Musangano weSADC wakaitirwa kuSandton, Johannesburg South Africa mwedzi wapera wakasunga kuti nyika nhatu dziri muSADC Troika dzidome vamiriri vachashanda neJOMIC mukuona kuti hwaro hwesarudzo hwaumbwa panosvika mwedzi waNyamavhuvhu.

Chikwata ichi chinenge chichizoshanda neJOMIC mukugadzirisa nyaya dzekushungurudzana mune zvematongerwo enyika uye mugadziriro yehwaro hwesarudzo.

Asi Zanu PF inonzi iri kutsika madziro ichiti kuita izvi kupindira munyaya dzeZimbabwe.

Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao, vaudza Studio 7 kuti chikwata ichi chichapinda chete muZimbabwe chakabatana nenhumwa dzemuyananisi, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

VaSalamao vati nyika dzinoti Zambia, Mozambique neSouth Africa dzakatodoma kare vanhu vachabatana nenhumwa dzaVaZuma idzi. Nhumwa dzaVaZuma dziri kutarisirwa kupinda munyika svondo rino kuti dzione pasvika nyaya yehwaro hwesarudzo.

Mutauriri weJOMIC, VaJoram Nyathi vaudza Stuido 7 kuti vachiri kungomira nemashoko akaburitswa neSADC pakupera kwemusangano wekuJohannesburg ekuti vachatumirwa vekushanda navo.

VaNyathi vati zvakakosha kuti vanhu vazive kuti JOMIC haikwanisi kupedza yoga matambudziko ari kuwanikwa akafanana nenyaya dzemhirizhonga, vachiti vanofanirwa kubatsirwa nevezvematongerwo enyika pamwe nemapurisa

XS
SM
MD
LG