Accessibility links

Breaking News

JOMIC Inotarisirwa Kusangana neMasachigaro Ayo eMatunhu


Boka rehurumende rinoona kuti chibvumirano cheGlobal Political Agreement chiri kutevedzwa nemazvo here, reJOMIC, riri kutarisirwa kusangana muHarare neChitatu nemasachigaro ematunhu ose emunyika kuitira kuti vazeye matambudziko avari kusangana nawo uye nyaya yemhirizhonga.

Gore rapera JOMIC yakaumba makomiti mumatunhu ose emunyika nechinangwa chekurwisana pamwe nekupedza mhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Asi makomiti aya haana zvikuru zvaati aita zvekupomhodza mhirizhonga, sezvo vanhu vachiri kurwisana.

Imwe nhengo yeMDC-T uye vari ivo sachigaro wekomiti inoona nezvemabasa muJOMIC mumwedzi waChikumi, Muzvare Tabitha Khumalo, vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru sezvo uchapa mukana kuJOMIC kuti inzwe matambudziko ari kusangana nemasachigaro aya mukuita kwavo basa.

XS
SM
MD
LG