Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vobatirwa Midziyo neChikonzi Zvichitevera Kuzvidza Kwavo Mutongo waMambo Negomo


Ishe Negomo vedunhu reMashonaland Central, Va Luscious Chitsinde, vanonzi vari kusimudzira nyaya yekutora midziyo yemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, mushure mekunge dare remuBindura ravapa mvumo yekuita izvi.

Izvi zvinoreva kuti chikonzi chichaenda kumba kwaVaTsvangirai chotora midziyo inoenderana nemutongo wakapihwa. Kana VaTsvangirai vasina kubhadhara mhosva yavakapara, chikonzi chinotengesa midziyo iyi zviri pachena, mari inenge yawanikwa, yopihwa Ishe Negomo.

Ishe Negomo vakaenda kumatare edzimhosva vachida kuti matare aya avape simba rekutora midziyo yaVaTsvangirai pamwe neyemhuri yekwaKarimatsenga Tembo, zvichitevera mutongo wavakapa VaTsvangirai naVaKarimatsenga Tembo, pamhosva yekuroora pamwe nekuroodza Muzvare Locadia Karimatsenga Tembo mumwedzi waMbudzi.

Ishe Negomo vanoti mwedzi waMbudzi unoyera patsika dzechivanhu.

Va Tsvangirai nemhuri yekwa Karimatsenga vakanzi vabvise mombe mbiri, hwai mbiri, jira jena nebute, asi havasati vaita izvi.

Mazuva makumi matatu akapfuura apo mhuri mbiri idzi dzaifanira kuripa mhosva yadzakapara.

Mutauriri waVa Tsvangirai, Va Luke Tamborinyoka, varamba kutaura pamusoro penyaya iyi.

Asi gweta uye vari mumiriri we MDC kuMazowe Central, Va Shepherd Mushonga, vanoti zviri kuitwa na Ishe Negomo ndezve matongerwo enyika.

XS
SM
MD
LG