Accessibility links

Breaking News

Ishe Ndiweni Vopikisa Kuendeswa Kwavo kuJeri


Ishe Ndiweni kuruboshwe
Ishe Ndiweni kuruboshwe

Gweta raishe Ntabazinduna Nhlanhlayamangwe Ndiweni kana kuti Ishe Felix Ndiweni akwira kudare repamusoro reHigh Court nhasi kunopikisa mutongo nechirango chavakapihwa chekuti vagare mutirongo kwemwedzi gumi nemisere.

Ishe Ndiweni nevamwe vanhu vari pasi pavo makumi maviri nevatatu vakabatwa nemhosva yekuputsa ruzhowa rwaVaFetti Mbele avo vaida kudzinga mudunhu ravo reNtabazinduna.

Izvi zvinotevera kupomerwa mhosva yekuita zvehupfambi kwemudzimai waVaMbele, Amai Nonkangelo Mpengesi.

Gweta raIshe Ndiweni, VaDumisani Dube vaudza Studio 7 kuti mutongi wedare haana kukoshesa masimba ane madzishe mumatunhu mavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG