Zimbabwe iri kubatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva revanhukadzi pasi rose, reInternational Women’s Day.
Dingindira rezuva iri gore rino rinoti “Think equal, build smart, innovate for change.”
Hurongwa hwemuZimbabwe huri kuitirwa kuNemangwe, mudunhu reMidlands.
Gurukota rezvemadzimai, Amai Sithembiso Nyoni, vanoti mhemberero dzegore rino dzakanangana nekuyeuka mabasa ebudiriro ari kuitwa nevanhukadzi munyika, uye kuenderera mberi nekuyeuchidzana zvakaipira kusaenzanisa mikana pakati pevanhukadzi nevanhurume.
Mumiriri wesangano reAfrican Union muAmerica, Ambassador Arikana Chihombori Quao, vanoti hurumende dzemuAfrica dziri kuyedza zvikuru kuyenzanisa mikana yemadzimai nevanhurume sezviri kudiwa kuti zviitwe gore ra 2015 risati rasvika.
Ambassador Quao vanoti vanhukadzi vanofanirwa kuremekedzwa sezvo vari ivo musimboti wenyika.
Ambassador Quao vanoti hapana imba inobudirira kana madzimai vasiri pamberi.
Ambassador Quao vanoti ukadzidzisa mukadzi, wadzisisa nyika yose.
Facebook Forum