Accessibility links

Breaking News

Zuva reInternational Literacy Day Rinosvika Dzidzo Iri Parumananzombe neCovid-19


Children From Zimbabwe

Nyika dzepasi rose dzacherechedza zuva reInternational Literacy Day nhasi panguva iyo pasi rese riri kuvhiringirwa dzidzo nedenda reCovid-19.

Zuva ranhasi nderekurangarira kukosha kwakaita kugona kunyora nekuverenga.

Asi zuva iri racherechedzwa nhasi pasi rose rakatarisana nedenda reCovid-19 iro riri kuvhiringa dzidzo munyika dzakawanda.

Mumwe mudzidzisi ari nhengo yeProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRosten Mutapa, vati denda reCovid-19 riri kutadzisa vana vakawanda kuti vadzidze sezvo zvikoro zviri kuvharwa nguva dzakawanda, uye vabereki vasina mari dzekuti vana vavo vashandise madandemutande.

Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vatiwo dambudziko reCovid-19 riri kutadzisa kuti vana vatange chikoro vave nezera rinodiwa uye vamwe vachatorega chikoro sezvakaita vamwe miriyoni imwechete kubva gore rapera.

Mutauriri weZimbabwe Teachers Association, VaGoodwill Taderera, vati kudzidza kuburikidza nepamaredhiyo hazvishande sezvo vana vasina zvikwanisiro zvikuru vana vekumaruwa.

Asi mutauriri webato rinopikisa reMDC T, VaWitness Dube, vati nyaya
yechirwere cheCovid-19 haisi iyo iri kutadzisa kuti vana vasadzidze
sezvo vana vari kudzidza mudzimwe nyika munguva ino yeCovid-19.

Mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati hurumende
iri kuedza zvikuru kupa mukana wekudzidza kuvana kuburikidza nekudzidza pamadandemutande pamwe nemaredhiyo.

Zuva reInternational Literacy Day rakatanga kucherechedzwa mugore ra1966 uye mhemberero dzegore rino dziri kuitwa pasi pedingindira
rekuti:“Literacy for a human-centered recovery: Narrowing the digital
divide
”.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG