Accessibility links

Breaking News

Inflation Yokwira Zvakanyanyisa Kudarika Zvikamu Zviviri-20,85%


7.
7.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfui dziri kuyambira kuti Zimbabwe yananga kumawere munyaya dzezvehupfumi mushure mekunge mutengo wekukwira kwezvinhu kana kuti inflation wasvika pazvikamu makumi maviri nezviga makumi masere nemashanu kubva muzana kana kuti 20, 85%.

Zimbabwe yakagumisira kuita inflation inokura zvakadai muna 2008. Izvi zvabutitswa nesangano reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTAT. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti inflation yakatokwira kudarika zviri kutaurwa neZIMSTAT.

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vakambozivisa kuBulawayo vhiki rapera kuti inflation kunyangwe yainge yati kwirei zvishoma kusvika pazvikamu zvishanu nezviga zvina kana kuti 5,4% muna Gunyana, vaitarisira kuti ichasvika pazvikamu zvinomwe kubva muzana kana kuti 7% munguva pfupi inotevera.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vaudza Studio 7 kuti zvimwe zviri kupa kuti mitengo yezvinhu ikwire inyaya yekuti vamwe vanhu vari kutengesa mari pamukoto kunyangwe hazvo hurumende yakazivisa kuti dhora, RTGS nebond zvine huremu hwakafanana.

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vati izvi ndizvo zvapa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadzike mutemo unobvumidza mapurisa kusunga vose vari kutengesa mari mumigwagwa.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti vezvitoro havana zvizhinji zvavangaita kunze kwekudhurisa zvinhu nekuti vanenge vatenga mari pamukoto.

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoti hurumende inofanira kutosunga dzisimbe kana ichida kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG