Accessibility links

Breaking News

Inflation Inokwirazve Zvopa Kuti Vashandi Vaomerwe neHupenyu


Sangano reCentral Statistical Office neChina rakazivisa kuti Inflation yakwira kubva pa3, 5% muna Kurume kusvika pa 4, 8% muna Kubvumbi.

Gurukota rezve mari VaTendai Biti vakatoyambira kare kuti vemabhizimisi vakaraba vachikwidza mitengo yezvinhu inflation ichatoramba ichikwira zvakanyanya.

VaBiti vanoti izvi zviri kukonzerwa kunyanya nevemabhizimi avo vari kuramba vachikwidza mitengo yezvinhu zvakanyanya.

VaProsper Chitambara inyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe.

VaChitambara vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu pamwe nekusagadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa ndizvo zvopa kuti inflation ikwire.

XS
SM
MD
LG