Accessibility links

Breaking News

Imwe Mhuri Yoparura Kirinika yeKurapa Vasope Pachena


Amai Esther Chasi nemurume wavo VaFungai Chasi vakatanga kiriniki inonzi Global Aid Missions Clinic muguta guru reHarare, uko kunobatsirwa pachena vanhu vane husope.

Kiriniki yakadai ndeyekutanga kuvhurwa muZimbabwe yose. Izvi zvakaitika mushure mokunge mhuri iyi yabatsirwa nevana vaviri avo vakazvarwa vaine husope zvinova zvinhu zvakavasunda murume nemudzimai kuti vabatsirewo vabereki vanenge vasangana nedambudziko iri.

Amai Chasi,avo vanove muparidzi wevhangeri, vanoti kiriniki yavo iri kubatsira vanhu vakawanda, uye zvipatara zvave kutumirawo kukiriniki yavo madzimai anenge abatsirwa nevana vane husope anenge asinganzwisise kuti chii chakaitika kuti azvare vana vakadaro.

Amai Chasi vanoti haisi mhosva ingapihwe munhu kuti mwana azvarwe ari musope, asi kuti pane zviri munyama dzevabereki vechizvarwa zvinoita kuti mwana uyu azvarwe ari musope.

Amai Chasi vanoti nyanzvi dzehutano dzine humboo hwunoratidza kuti kana mubereki aine gomarara repaganda, anogona kubereka mwana musope.

Amai Chasi vanoti kiriniki yavo haisati yava kukwanisa kuva navana chiremba vanogara varipo nguva dzose, zvikuru vaye vanoona nezvemaziso nevanorapa maronda epaganda revanhu vane husope sezvo ichiri kungotanga.

Mumwe chiremba anoenda achinobatsira pakiriniki apa, Dr Isaiah Makukutu, vanoti vabereki vanenge vaita vana vasope, vanofanirwa kuenda kunoona vana chiremba chaivo, kwete kuenda kunoita zvechivanhu, uko kune vamwe vanhu vanokurudzira kuuraya kana kuita zvisina maturo kuvana vane husope.

Dr Makukutu vanoti vanhu vanorarama nehusope havana kumbosiyana nemunhu wese zvake uye vanofanirwa kuendeswawo kuzvikoro, kuzvipatara nekumakereke kunonamata nevamwe.

Muzvare Gamuchirai Uzande, avo vanoshanda nesangano rinonzi Alive Albinism Initiative, vanoti zvakakosha kuti Global Aid Missions Clinic ibatsire vanhu vane husope, zvikuru vaye vane gomarara repaganda.

Global Aid Missions Clinic yakatanga basa rayo musi wa18 Zvita gore rapera, zvokuti yave nehurongwa hwokuzovhurawo makiriki akadai kunzvimbo dzakasiyana siyana muZimbabwe, sezvovanhu vakawanda vari kuratidza kuti vanoda kubatsirwa.

Zvimwe zvezvinhu zvinoitirwa vanhu vane husope pakiriniki apa zvinosanganisira kupihwa mafuta anodzivirira ganda ravo kutsva nezuva, nguwani dzokupfeka senzira yekudzivirira zuva, kuongororwa HIV, BP nezvimwewo.

Bazi rezvehutano richishanda nesangano reUnited Nations Childrens Fund, rakabudisa gwaro mugore ra2015 rinoratidza kuti Zimbabwe ine vanhu vanodarika zviuru makumi masere vane husope.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG