Accessibility links

Breaking News

IMF Yoongorora Mamiriro Akaita Hupfumi muZimbabwe


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Chikwata cheInternational Monetary Fund, IMF, chiri muZimbabwe kuitira kuti chizeye nekuongorora mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi pasi pechoirongwa cheArticle 1V uye chimwe che Zimbabwe’s Staff-Monitored Program (SMP).

Kunyange hazvo gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kuti Zimbabwe iri mugwara munyaya dzezvehupfumi muZimbabwe, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti IMF icharatidza kusafara nekumawere kwananga nyika.

Vachitaura nenhepfenyuro yeCNBC Africa, Muzvinafundo Ncube vakati vari kusangana nechikwata cheIMF ichi uye vanoti vane chivimbo chekuti chikwata cheIMF ichi chichafadzwa nezvavari kuita mukugadzirisa hupfumi uho huri mukanwa mamupere.

Nyaya dziri kuzeyiwa dzakanangana nemamiriro ehupfumi mugore ra2019 uye mugore rinouya.

VaNcube vanoti Zimbabwe yakakanganiswa zvikuru nenyaya yenzara uye dutumupengo reCyclone Idai nekudaro zvinonetsa kuti inyatsozadzikisa zvayakatsidza kuIMF pasi pechirongwa cheStaff Monitored Program.

Mashoko aVaNcube atsinhirwa namuzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF VaGilbert Muponda.

Asi VaMuponda vatiwo pane zvimwe zviri kuitika zvinogona kutadza kufadza sangano reIMF.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti havaone IMF ichigutsikana nezviri kuitwa neZimbabwe zvikuru pakutadza kubhadhara zvikwereti.

Vatiwo nyaya yehouri yadzosera nyika kumashure zvakanyanya.

Ko zviri kuitwa neIMF izvi zvinosiya mushandi ari papi?

Mutungamiri weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti zvakamboyedzwa munguva yeEconomic Structural Adjustment Program, ESAP, asi zvikakona n'anga murapwa achida.

Asi VaNcube vanoti Zimbabwe kune zvimwe zvayagona sekuti yave pachidanho chezana nemakumi mana kubva pazana nemakumi mashanu nemashanu panyika dziri nyore kuita bhizimisi kana kuti Easy of doing Business.

Asi VaNcube vatenda kuti Zimbabwe yakakundiakana kukwezva mabhiriyoni masere avainge vavimbisa kumusangano weWorld Economic Forum kuDavos, Switzerland.

IMF iri kutarisirwa kupeta musangano wayo uyu mangwana yozononyora gwaro rezvayakaona.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG