Accessibility links

Breaking News

IMF Inoyambira Kuti Inflation Inogona Kudzoka muNyika


International Monetary Fund, kana kuti IMF, inoti hurumende inofanirwa kumbomira kuwedzera vashandi vayo mari dzemihoro nekuti zvinogona kupa kuti inflation itangezve kukwira.

IMF yapa kurudziro iyi mushure mekushanya kwechikwata chenyanzvi munyaya dzehupfumi mubhanga iri munyika kubva musi wa2 kusvika musi wa10 Chikumi. Bhanga iri rinoti hurumende inofanira kuti ibvise vanhu vanonzi vari kutambira mari asi vasiri pamabasa, kana kuti "Ghost workers."

Zimbabwe ine chikwereti chinosvika US$140 million kuIMF uye chikwereti ichi ndicho chiri kupa kuti bhanga iri rimbomira kukweretesa nyika mari.

Gurukota rezvekurongwa kwehupfumi, VaElton Mangoma, vanoti nenyaya yekuoma kwezvinhu Zimbabwe yambomira kubhadhara chikwereti ichi.

Doctor Godfrey Kanyenze inyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari Executive Director ve Labour and Economic Development Research Institute of zimbabwe.

Doctor Kanyenze vanoti hupfumi hwenyika hausati hwagadzikana zvekuti vashandi vapihwe mari yakawanda.

XS
SM
MD
LG