Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Zimbabwe inofanira Kusunga Dzisimbe neKubhadhara Zvikweti Kuti Igadzirise Hupfumi


Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund, IMF, rinoti Zimbabwe inofanira kuzvipira kuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi kana ichida kubuda mumadhaka mairi.

IMF inoti nyika inofanira kurwisa huori, kusimbisa dhora remunyika uye kuva nemazano ekuti ingabhadhare sei chikwereti chayo chinodarika mabhiriyoni gumi emadhora ekuAmerica kana kuti US$10 billion kune vekunze chete.

Mumashoko kuvatori venhau, IMF inotiwo Zimbawe inofanira kuvawo nemazano anokwezva vemabhizimisi vekunze uye kugadzirisa nyaya dzemagariro evanhu nehutano munguva ino yekurwisa denda reCovid-19.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvemabhanga uye vari nhengo yeZanu PF, VaGilbert Muponda, vanoti Zimbabwe iri mugwara zvisinei nezviri kutaurwa neIMF.

Vati izvi zviri kuonekwa kuburikidzwa nekuwanikwa kwemari yemunyika mumabhanga, musika wekutenga nekutengserana mari yekunze kuReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kugadzirwa kwezvivakwa nezvimwe.

Vatiwo hupfumi hwenyika hauchadi vekunze vakawanda sezvo vanhu munyika vachirarama nekuzviitira mabasa avo emaoko anongoda kusimudzirwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvezvepfumi, VaVictor Bhoroma, vanotiwo IMF yarova nemonemo vachitiwo zviri kutaurwa nebhanga iri ndizvo zvagara zvichitaurwa nevana veZimbabwe kuti huori hunofanira kumiswa uye hurumende haifanire kuramba ichikwereta mari ichikundikana kubhadhara.

Zimbabwe ine zvikwereti kuWorld Bank, Paris Club neAfrican Development Bank izvo iri kutatarika kubhadhara zvopa kuti itadze kuwana zvimwe zvikereti.

Zvikwereti izvi zviri kupa kuti nyika itadze kukwereteswa imwe mari.

Vachipawo pfungwa dzavo, mukuru wesangano reCEO Africa Roundtable, VaOswill Binha, vati Zimbabwe inofanira kudyidzana nedzimwe nyika kwete kuda kuita kunge chitsuwa.

Vatiwo vemabhizimisi vakawanda vekunze vanoteerera zvinotaurwa neIMF nekudaro hurumende haifanire kungoisa zvimiti munzeve ichiita zano ndega.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanotiwo vari kutarisira kuti hupfumi hwenyika huchakwira nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana kana kuti 7,4%.

Asi IMF inoti inotarisira kuti hukwire nezvikamu zvinoti darikei zvitatu zvishoma kubva muzana kana kuti 3,1%.

Mwedzi unouya, IMF inoti iri kuita musangano padandemutande neZimbabwe mukuyedza kuumba hwaro hwekuti patangwe chimwe chirongwa chekubatsira Zimbabwe neruzivo kana kuti Staff Monitored Programme.

Chirongwa chakadai chakaitwa kusvika muna Kukadzi gore rapera asi IMF yakati Zimbabwe yainge yatora gwara risiri iro.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG