Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Hupfumi hweZimbabwe Huchakwira Zvishoma


Sangano re International Monetary Fund, IMF, iro rakapedza kuongorora mamiriro akaita hupfumi munyika, rayambira kuti zvinhu hazvina kunyatsojeka panyaya yehupfumi gore rino. IMF inoti hupfumi hweZimbabwe huchakura nezvikamu zviviri kubva muzana sezvo pachine zvakawanda zviri kuda kugadziriswa.

IMF inoti nyaya yekusajeka kwezvinhu panyaya yemihoro yevashandi uye kusawedzera zvinogadzirwa mumaindustiri, ndizvo zviri kupa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo munyaya dzehupfumi.

Asi vachitaura kuAbijan kumusangano weAfrican Development Bank, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti vanotarisira kuti hupfumi huchakwira nezvikamu zvinomwe kubva muzana kana kuti 7% gore rino, sezvo vari kutarisira mari inosvika bhiriyoni imwe chete kubva kunze.

VaBiti vakamboti hupfumi huchakwira ne 4, 8% chete mushure mekunge nyika yatadza kuwana mari yekunze. VaElton Mangoma ndivo gurukota rezvekurongwa kwehupfumi. VaMangoma vanoti nyaya yekusagadzirisa zvinhu muGPA iri kupa kuti vanhu vanoda kutanga mabhizimisi vatye kupinda munyika..

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaDavid Mpamhadze, avo vaimboshanda ne Trust Bank neZimbabwe Allied Banking Group, vanoti Zimbabwe inofanira kudhonzera pamwe kuti ibudirire.

XS
SM
MD
LG