Accessibility links

Breaking News

IMF Yokurudzira Zimbabwe Kusakwidza Mihoro yeVashandi


Sangano reInternational Monetary Fund, kana kuti IMF, riri kukurudzira Zimbabwe kuti imbomisa kukwidza mari dzemihoro dzevashandi vehurumende, kuitira kuti hupfumi hwenyika humbogadzikana.

Svondo rapera, mutevedzeri wemukuru weIMF muAfrica, Amai Sharmini Coorey, vakati kushandiswa kwemari dzekunze munyika kwakakwanisa kumisa inflation, kunyange hazvo pachine zvizhinji zvinoda kuitwa.

Vakatiwo kuti zvinhu izvi zvigadzirike, panofanirwa kutorwa matanho anosanganisira kumiswa kwekuwedzerwa kwemari dzemihoro yevashandi vehurumende, sezvo kuri iko kumwe kuri kuenda mari yakawanda iri kuwanikwa nehurumende.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvemari iri kuwanikwa nehurumende zviri kuenda kumari dzekutambirisa vashandi.

Kurudziro yeIMF iyi inouya panguva apo vashandi vehurumende vari kuda kuti vawedzerwe mari dzemihoro, kunyange hazvo hurumende iri kuti haina mari yekuita izvi.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vari mukuru weEmployers’ Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vaudza Studio7 kuti kurudziro yeIMF iyi haina kunangana nehurumende chete, asi kuti kanawo makambani akazvimirira haafanirwe kuwedzera mari dzevashandi vawo sezvo ari kuomerwawo nezvinhu.

VaMufukare vati kana ivo havaoni nhengo dzavo dzichikwanisa kuwedzerawo vashandi vavo mari dzemihoro sezvo vasina zvavari kugadzira mumakambani avo.

XS
SM
MD
LG