Accessibility links

Breaking News

ILO Inoti Zimbabwe Isashandise Mutemo wePOSA kuVashandi


Hurumende yeZimbabwe yave kumanikidzwa nesangano reInternational Labour Organization, ILO, kuti isashandise mitemo yakaita sePublic Order and Security Act uye mimwe mitemo yese inotsikirira kodzero dzevashandi.

Zvinonzi Zimbabwe yapihwa gore kuti igadzirise mitemo yose iyi. Sangano reILO rakaita ongororo yaro munyika gore rapera, rikayambira vatungamiri veZimbabwe kuti vakaramba vakaisa zvimiti munzeve panyaya yemitemo inotyora kodzero dzevashandi, vaizoguma vamiswa pamberi pedare reInternational Criminal Court kana kuti ICC.

Izvi zvinonzi zvakavhundutsa hurumende zvekuti yakabva yabvuma kuti yaizoita zvose zviri kudiwa nesangano iri.

Mapurisa emuZimbabwe anoshandisa mutemo wePOSA kushungurudza vashandi kana vachiratidzira.

Mapazi ezvevashandi uye rekuchengetedzwa kwemukati menyika anonzi ari mushishi kuyedza kugadzirisa nyaya iyi. Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti vane chivimbo chekuti hurumende ichateerera kurudziro yeILO.

Gurukota rezvevashandi, Amai Paurina Gwanyanya-Mpariwa, vanotiwo hurumende iri mubishi kugadzirisa zviri kudiwa neILO.

XS
SM
MD
LG