Accessibility links

Breaking News

ICG Yoyambira Mhirizhonga muZimbabwe Munguva dzeSarudzo


Sangano renyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, reInternational Crisis Group, rinoti kusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe, kuri kuita kuti munyika muite mhute pamwe nekutyirwa kwehutongi hwehudzvanyiriri zvinhu zvikaramba zvakadaro.

Sangano iri rinotiwo hutongi hwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uho hwave kusvika kwamvura yacheka makumbo zvichitevera kukwegura kwavari kuita, hunogona kuipisisa munguva iyo pane kutaura pamusoro pehurongwa hwesarudzo gore rino.

Mugwaro rayaburitsa rinonzi Zimbabwe’s Sanctions Standoff, ICG inoti sarudzo dziri kuitwa gore rino kana rinotevera dzichange dziine mhirizhonga sezvakaitika muna 2008.

Sangano iri rinoti nyika dzekumawirira dzinofanira kuvandudza nyaya yezvirango kuitira kuti Zanu-PF ibvume kuvandudza zvinhu zvairi kuramba kuita.

Sangano iri rinotiwo Zanu-PF inofanira kumisa tsika yekuti chese chanetsa yoti zviri kukonzerwa nezvirango. Rinotiwo MDC inofanira kubuda nechisungo chakajeka panyaya yekuti zvirango zvibviswe.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC-T, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti bato ravo riri kuyedza kuti zvirango zvibviswe asi Zanu-PF iri kuomesa musoro.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJoy Mabenge, avo vanoshanda nesangano re Institute For A Democratic Alternative for Zimbabwe, vanoti zvirango zvinofanira kuramba zviripo kudzamara Zanu PF yava kuremekedza zvido zvevana veZimbabwe.

XS
SM
MD
LG