Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweZvigadzirwa Munyika Hwotarisirwa Kudzikira Gore Rino


Huwandu hwezvigadzirwa zvemunyika kana kuti Real Gross Domestic Product, GDP, huri kutarisirwa kudzikira kubva pa 6.8 per cent kusvika pazvikamu 4.4 per cent mugore rino, hwozokwira zvishoma gore rinouya kuenda pazvikamu zvishanu nechidimbu kubva muzana, kana kuti 5.5 per cent.

Izvi zvakabuda mugwaro rakaburitswa svondo rino nebhanga reAfrican Development Bank, iro rinoti huwandu uhu hwakaderera zvakare mugore ra2011 kuenda pa 6.8 per cent huchibva pazvikamu zvipfumbamwe kubva muzana.

Gwaro iri rinoti mitemo yezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, pamwe nekuparara kwezvivakwa zvimwe zvicharamba zvichidzikisa budiriro munyaya dzeupfumi.

Vamwe vanotiwo mitemo iyi iri kutyisidzira vanoda kutanga mabhizimusi munyika.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti chimwe chichawedzera kuderera uku kusanaya zvakanaka kwemvura.

XS
SM
MD
LG